3 Tingatoti kana mashoko akanaka atinozivisa akafukidzwa, akafukidzwa kune vaya vari kuparara, 4 vasingatendi,+ vakapofumadzwa pfungwa namwari wenyika ino,+ kuti varege kuvhenekerwa nechiedza+ chemashoko akanaka anokudzwa ane chekuita naKristu, anova ndiye mufananidzo waMwari.+