-
Mateu 12:48-50Bhaibheri—Shanduro yeNyika Itsva
-
-
48 Akapindura munhu akanga amuudza izvozvo achiti: “Amai vangu ndiani, uye vanin’ina vangu ndivanaani?” 49 Achitambanudzira ruoko rwake kuvadzidzi vake, akati: “Ona! Amai vangu nevanin’ina vangu!+ 50 Nekuti munhu wese anoita kuda kwaBaba vangu vari kudenga, ndiye munin’ina wangu uye hanzvadzi uye amai.”+
-