-
Mateu 17:1-8Bhaibheri—Shanduro yeNyika Itsva
-
-
17 Pashure pemazuva 6, Jesu akaenda naPetro naJakobho nemunin’ina wake Johani, ndokukwira navo mugomo refu refu vari vega.+ 2 Uye akashanduka pamberi pavo; chiso chake chakatanga kupenya sezuva, nguo dzake dzekunze dzikabwinya* sechiedza.+ 3 Uye vakazongoona Mozisi naEriya vava kukurukura naye. 4 Petro akabva ati kuna Jesu: “Ishe, zvakanaka kuti tiri pano. Kana muchida, ndichadzika matende matatu pano, rimwe renyu, rimwe raMozisi, uye rimwe raEriya.” 5 Achiri kutaura kudaro, gore raipenya rakabva ravafukidza, uye inzwi raibva mugore racho rakabva rati: “Uyu ndiye Mwanakomana wangu anodiwa, wandafarira.+ Muteererei.”+ 6 Pavakanzwa izvi, vadzidzi vakawira pasi vakatya kwazvo. 7 Jesu akabva aswedera pedyo navo, uye achivabata, akati: “Simukai. Musatya.” 8 Pavakasimudza misoro, hapana wavakaona kunze kwaJesu chete.
-
-
Mako 9:2-8Bhaibheri—Shanduro yeNyika Itsva
-
-
2 Pashure pemazuva 6, Jesu akaenda naPetro naJakobho naJohani, ndokukwira navo mugomo refu refu vari vega. Uye akashanduka pamberi pavo;+ 3 nguo dzake dzekunze dzakatanga kupenya, dzikachena chaizvo zvekuti hapana mugezi wenguo panyika aigona kudzichenesa zvakadaro. 4 Vakaonawo Eriya naMozisi, vachikurukura naJesu. 5 Petro akabva ati kuna Jesu: “Rabhi, zvakanaka kuti tiri pano. Saka regai tidzike matende matatu, rimwe renyu, rimwe raMozisi, uye rimwe raEriya.” 6 Chokwadi ndechekuti akanga asinganyatsozivi kuti oita sei, nekuti vaitya kwazvo. 7 Gore rakavapo, rikavafukidza, uye inzwi+ rakabva mugore racho richiti: “Uyu ndiye Mwanakomana wangu, anodiwa.+ Muteererei.”+ 8 Vakabva vatarisa-tarisa, vakaona vangosara vega naJesu chete.
-