19 Asi pavanokuendesai kumatare, musazvidya mwoyo nezvematauriro amuchaita kana kuti nezvezvamuchataura, nekuti zvamuchataura muchazvipiwa panguva yacho iyoyo;+ 20 nekuti hamusi imi mega munenge muchitaura, asi mweya waBaba venyu ndiwo uchange uchitaura uchikushandisai.+