-
Pisarema 49:16-19Bhaibheri—Shanduro yeNyika Itsva
-
-
16 Usatya mumwe munhu nekuti ava mupfumi,
Kukudzwa kweimba yake kwawedzera,
17 Nekuti paanofa hapana chaanokwanisa kuenda nacho;+
Kukudzwa kwake hakuendi naye.+
18 Nekuti paanenge ari mupenyu anozvirumbidza.*+
(Vanhu vanokukudza paunobudirira.)+
19 Asi anozopedzisira abatana nechizvarwa chemadzitateguru ake.
Havazomboonizve chiedza.
-