26 Tenzi wake akamupindura achiti: ‘Muranda akaipa, ane usimbe! Handiti waizviziva hako kuti ndinokohwa pandisina kudyara uye ndinodyorera pandisina kuurutsa? 27 Saka ungadai wakaisa mari yangu kubhengi, uye pandaizodzoka ndingadai ndakaiwana yabereka.