-
Johani 2:1-11Bhaibheri—Shanduro yeNyika Itsva
-
-
2 Uye pazuva rechitatu, muKana kuGarireya, makaitwa mabiko emuchato, uye amai vaJesu vaivepo. 2 Jesu nevadzidzi vake vakakokwawo kumabiko acho emuchato.
3 Waini payakanga yapera, amai vaJesu vakati kwaari: “Havasisina waini.” 4 Asi Jesu akati kwavari: “Ko nyaya yacho ineiko nesu?* Nguva yangu haisati yakwana.” 5 Amai vake vakati kune vaya vaishanda: “Itai zvese zvaanokuudzai.” 6 Zvino paiva nemakate ematombo 6 ekuisira mvura sezvaidiwa nemitemo yekuzvichenesa yevaJudha,+ rimwe nerimwe richikwana zviyero* zviviri kana zvitatu. 7 Jesu akati kwavari: “Zadzai makate acho nemvura.” Saka vakaazadza kusvika pamuromo. 8 Iye akabva ati kwavari: “Cherai imwe yacho muende nayo kumutungamiriri wemabiko.” Saka vakaenda nayo. 9 Mutungamiriri wemabiko paakaravira mvura yacho yakanga yachinjwa kuva waini, asingazivi kuti yakanga yabva kupi, (kunyange zvazvo vashandi vakanga vachera mvura yacho vaiziva), akashevedza murume aichata, 10 akati kwaari: “Vamwe vese vanotanga kubudisa waini inonaka, vozobudisa isinganaki kana vanhu vadhakwa. Iwe wachengeta yakanaka yacho ukazoibudisa iye zvino.” 11 Jesu akaita izvi muKana, kuGarireya, chiri chiratidzo chake chekutanga, uye akaita kuti kubwinya kwake kubude pachena,+ vadzidzi vake vakabva vatanga kutenda maari.
-