10 Jesu akati: “Itai kuti vanhu vagare pasi.” Sezvo paiva neuswa hwakawanda panzvimbo iyoyo, vakagara pasi. Paiva nevarume vaigona kusvika 5 000.+ 11 Jesu akatora chingwa, akaonga, ndokuchipa vanhu vakanga vakagara pasi; akaitawo izvozvo netuhove twuya, uye vakadya vakaguta.