-
Dheuteronomi 1:16, 17Bhaibheri—Shanduro yeNyika Itsva
-
-
16 “Panguva iyoyo ndakarayira vatongi venyu, ndichiti, ‘Panouya hama dzenyu nenyaya dzaitika pakati pavo, munofanira kutonga zvakarurama+ pakati pemunhu nehama yake kana kuti nemutorwa.+ 17 Musasarura pakutonga.+ Munofanira kuteerera zvinotaurwa nemudiki sezvamunoita zvinotaurwa nemukuru.+ Musatya munhu,+ nekuti kutonga ndekwaMwari;+ uye kana nyaya yakakuomerai, munofanira kuuya nayo kwandiri, ndoinzwa.’+
-