19 Saka mupristi mukuru akabvunza Jesu nezvevadzidzi vake uye nezvekudzidzisa kwake. 20 Jesu akamupindura kuti: “Ndakataura kunyika pachena. Ndaigara ndichidzidzisa musinagogi nemutemberi,+ munoungana vaJudha vese, uye handina chandakataura pachivande.