34 Simiyoni akavakomborerawo akati kuna Mariya amai vemwana: “Inzwa! Mwana uyu atumwa kuti pave nekuwa+ nekumuka kwevakawanda pakati paIsraeri+ uye achava chiratidzo chinotaurwa zvakaipa nezvacho+ 35 (chokwadi, bakatwa refu richakubaya),+ kuti kufunga kwemwoyo mizhinji kuiswe pachena.”