28 Pashure paizvozvo ndichadurura mweya wangu+ pavanhu vemarudzi ese,
Uye vanakomana venyu nevanasikana venyu vachaprofita,
Vakwegura venyu vacharota hope,
Uye majaya enyu achaona zviratidzo.+
29 Uye kunyange pavarandarume nevarandakadzi vangu
Ndichadurura mweya wangu mumazuva iwayo.
30 Uye ndichaita zvishamiso kudenga nepanyika,
Ropa nemoto neutsi hwakawanda hunokwira mudenga.+
31 Zuva richasviba uye mwedzi uchava ropa+
Zuva guru raJehovha rinotyisa risati rasvika.+
32 Uye munhu wese anodana zita raJehovha achaponeswa;+
Nekuti muGomo reZiyoni nemuJerusarema ndimo muchava nevaya vachapona,+ sezvakataurwa naJehovha,
Vachapona vacho ndevaya vanoshevedzwa naJehovha.”