-
Mabasa 9:3-8Bhaibheri—Shanduro yeNyika Itsva
-
-
3 Paakanga ari munzira ava kusvika pedyo neDhamasiko, akaerekana apenyerwa kumativi ese nechiedza chakabva kudenga,+ 4 akabva awira pasi, ndokunzwa inzwi richiti kwaari: “Sauro, Sauro, uri kunditambudzireiko?” 5 Akabvunza kuti: “Ndimi ani, Ishe?” Iye akati: “Ndini Jesu,+ wauri kutambudza.+ 6 Asi simuka upinde muguta, wonoudzwa zvaunofanira kuita.” 7 Varume vaaifamba navo vakangomira vasingatauri, vachinzwa inzwi, asi vasingaoni munhu wacho.+ 8 Sauro akabva asimuka, asi hapana chaaiona kunyange zvazvo maziso ake akanga akasvinura. Saka vakamubata ruoko, vakapinda naye muDhamasiko.
-
-
Mabasa 26:13-15Bhaibheri—Shanduro yeNyika Itsva
-
-
13 ava masikati, Mambo wangu, ndakaona chiedza chaibva kudenga ndiri mumugwagwa, chichipenya kupfuura zuva, chikatipoteredza, ini nevamwe vandaifamba navo.+ 14 Tese patakanga tawira pasi, ndakanzwa inzwi richiti kwandiri muchiHebheru: ‘Sauro, Sauro, uri kunditambudzireiko? Kuramba uchikava zvibayiso* kunoita kuti zvikuomere.’ 15 Ndakabva ndati: ‘Ndimi ani, Ishe?’ Ishe akati: ‘Ndini Jesu, wauri kutambudza.
-