-
Mabasa 21:31-33Bhaibheri—Shanduro yeNyika Itsva
-
-
31 Pavakanga vava kuda kuedza kumuuraya, shoko rakasvika kumutungamiriri weboka revarwi kuti Jerusarema rese rakanga ranyongana; 32 akabva angotora varwi nevakuru veuto, ndokudzika vachimhanyira kwavaiva. Pavakaona mutungamiriri weuto nevarwi, vakarega kurova Pauro.
33 Mutungamiriri weuto akabva asvika pedyo, akamutora, akarayira kuti asungwe necheni mbiri;+ akabva abvunza kuti aiva ani uye kuti akanga aitei.
-