-
Mabasa 17:30, 31Bhaibheri—Shanduro yeNyika Itsva
-
-
30 Ichokwadi kuti Mwari akafuratira nguva dzekusaziva kwakadaro;+ asi iye zvino ari kuzivisa vanhu vese kwese kwese kuti vanofanira kupfidza zvivi zvavo. 31 Nekuti akatara zuva raanoda kutonga+ nyika nekururama achishandisa munhu waakagadza, uye akaratidza vanhu vese kuti achazviita nekumumutsa kuvakafa.”+
-