5 Vafambisi vengarava vakatya chaizvo zvekuti mumwe nemumwe akatanga kushevedzera kuna mwari wake kuti avabatsire. Vakatanga kukanda zvinhu zvaiva mungarava mugungwa kuti irerukirwe.+ Asi Jona ainge apinda mukatikati mengarava yacho achibva arara, ndokufa zvake nehope.