5 Nekuti tinoziva kuti kana imba yedu yepanyika, iro tende rino, ikaparadzwa,+ tichava nechivakwa chinobva kuna Mwari, imba isina kuvakwa nemaoko,+ inogara nekusingaperi, kudenga. 2 Nekuti muimba ino tiri kugomera, tichishuva nemwoyo wese kuti tipfeke yedu inobva kudenga,+