22 Nekuti kunyange zvazvo vanhu vako, haiwa iwe Israeri,
Vakaita sejecha regungwa,
Vashoma vavo ndivo chete vachadzoka.+
Pasarudzwa kuti vaparadzwe,+
Uye vachafukidzwa nekurangwa.+
23 Chokwadi kuparadza kwakasarudzwa naChangamire Ishe, Jehovha wemauto,
Kuchaitwa munyika yacho yese.+