14 Asi pandakaona kuti vakanga vasiri kufamba maererano nechokwadi chemashoko akanaka,+ ndakati kuna Kefasi pamberi pavo vese: “Kana iwe, muJudha, uchirarama sezvinoita mamwe marudzi, kwete sezvinoita vaJudha, sei uri kumanikidza vanhu vemamwe marudzi kuti vararame maererano netsika dzechiJudha?”+