Eksodho 20:12 Bhaibheri—Shanduro yeNyika Itsva 12 “Kudza baba vako naamai vako,+ kuti urarame kwenguva refu panyika yauchapiwa naJehovha Mwari wako.+ Dheuteronomi 5:16 Bhaibheri—Shanduro yeNyika Itsva 16 “‘Kudza baba vako naamai vako,+ sezvawakarayirwa naJehovha Mwari wako, kuti urarame kwenguva refu uye kuti ubudirire* panyika yauchapiwa naJehovha Mwari wako.+ Zvirevo 20:20 Bhaibheri—Shanduro yeNyika Itsva 20 Munhu wese anotuka baba vake naamai vake,Rambi rake richadzimwa kana kwava nerima.+ Zvirevo 23:22 Bhaibheri—Shanduro yeNyika Itsva 22 Teerera baba vako vakaita kuti uberekwe,Uye usazvidza amai vako nekuti vakwegura.+ Mateu 15:4 Bhaibheri—Shanduro yeNyika Itsva 4 Semuenzaniso, Mwari akati, ‘Kudza baba vako naamai vako,’+ uye, ‘Munhu anotuka baba vake kana amai vake anofanira kuurayiwa.’+
12 “Kudza baba vako naamai vako,+ kuti urarame kwenguva refu panyika yauchapiwa naJehovha Mwari wako.+
16 “‘Kudza baba vako naamai vako,+ sezvawakarayirwa naJehovha Mwari wako, kuti urarame kwenguva refu uye kuti ubudirire* panyika yauchapiwa naJehovha Mwari wako.+
4 Semuenzaniso, Mwari akati, ‘Kudza baba vako naamai vako,’+ uye, ‘Munhu anotuka baba vake kana amai vake anofanira kuurayiwa.’+