-
Mabasa 25:10-12Bhaibheri—Shanduro yeNyika Itsva
-
-
10 Asi Pauro akati: “Ndakamira pamberi pechigaro chekutonga chaKesari, pandinofanira kutongwa. Handina zvandakatadzira vaJudha sezvamava kuzvionerawo. 11 Kana ndiine mhosva yandakapara uye ndakaita chimwe chinhu chakakodzera rufu,+ handisi kukumbira kuti ndirege kufa; asi kana nyaya dzandiri kupomerwa nevanhu ava dzisina chokwadi, hapana munhu ane kodzero yekundiisa mumaoko avo kuti avafadze. Ndinokwidza nyaya yangu kuna Kesari!”+ 12 Festo akabva ataura nedare remakurukota, ndokupindura kuti: “Wakwidza nyaya yako kuna Kesari, saka uchaenda kuna Kesari.”
-