1 Pauro, muranda waMwari uye muapostora waJesu Kristu maererano nekutenda kwevanhu vaMwari vakasarudzwa uye ruzivo rwakarurama pamusoro pechokwadi chinoenderana nekuzvipira kuna Mwari, 2 izvo zvinobva patariro yeupenyu husingaperi+ yakavimbiswa kare kare naMwari, uyo asingagoni kureva nhema;+