-
2 Makoronike 24:20, 21Bhaibheri—Shanduro yeNyika Itsva
-
-
20 Mweya waMwari wakauya pana Zekariya mwanakomana wemupristi Jehoyadha,+ akamira pamberi pevanhu ari pakakwirira, akati kwavari: “Zvanzi naMwari wechokwadi, ‘Sei muri kutyora mirayiro yaJehovha? Hamusi kuzobudirira! Zvamakasiya Jehovha, iye achakusiyaiwo.’”+ 21 Asi vakamupandukira+ uye vakamutema nematombo muchivanze cheimba yaJehovha+ vachitevera murayiro wamambo.
-