11 “Saka makauya pedyo, mukamira mujinga megomo, uye gomo racho rakanga richibvira moto kusvika kudenga chaiko; kwakava nerima, gore, uye kwakasviba kuti ndo-o.+ 12 Uye Jehovha akatanga kutaura nemi ari mumoto wacho.+ Mainzwa inzwi riri kutaura, asi hapana wamakaona.+ Raingova inzwi chete.+