-
Ezekieri 1:5-10Bhaibheri—Shanduro yeNyika Itsva
-
-
5 Mumoto wacho maiva nezvaiita sezvisikwa zvipenyu zvina,+ uye chimwe nechimwe chakanga chakaita semunhu. 6 Chimwe nechimwe chaiva nezviso zvina nemapapiro mana.+ 7 Tsoka dzazvo dzakanga dzakatwasuka, uye pasi petsoka dzazvo pakanga pakaita sepetsoka dzemhuru, uye dzaipenya sekupenya kwemhangura yakapenyeswa.+ 8 Pasi pemapapiro azvo paiva nemaoko emunhu kumativi ese mana, uye zvese zviri zvina zvaiva nezviso nemapapiro. 9 Mapapiro azvo aigumana. Pazvaifamba, zvaisachinja kwazvakatarisa; chimwe nechimwe chaifamba chakananga mberi.+
10 Izvi ndizvo zvakanga zvakaita zviso zvazvo: Zvese zviri zvina zvaiva nechiso chemunhu nechiso cheshumba+ kurudyi, nechiso chemukono wemombe+ kuruboshwe, uye chimwe nechimwe chazvo zviri zvina chaiva nechiso+ chegondo.+
-