-
Zvakazarurwa 18:11, 12Bhaibheri—Shanduro yeNyika Itsva
-
-
11 “Uyewo vanhu vanotengesa panyika vari kuridza mhere uye vari kurichema, nekuti hapasisina achatenga zvinhu zvavo zvese, 12 izvo zvinhu zvese zvavanotengesa zvinoti goridhe, sirivha, matombo anokosha, maparera, machira machena akanaka, machira epepuru, machira esiriki, nemachira matsvuku; nezvinhu zvese zvakagadzirwa nemiti inonhuhwirira; nezvinhu zvese zvakagadzirwa nenyanga dzenzou nematanda anokosha, nemhangura, nesimbi, nematombo emabhura;
-