Revhitiko
21 Jehovha akaenderera mberi achiti kuna Mozisi: “Taura nevapristi, ivo vanakomana vaAroni, uti kwavari, ‘Hapana anofanira kuzvisvibisa panofa mumwe munhu* pakati pevanhu vake.+ 2 Asi angazvisvibisa kana iri hama yake yepedyo yakadai saamai vake, baba vake, mwanakomana wake, mwanasikana wake, munin’ina wake, 3 uye angazvisvibisa panofa hanzvadzi yake kana iri mhandara yaigara pedyo naye uye yainge isati yaroorwa. 4 Ngaarege kuzvisvibisa ova asina kuchena kana ari mukadzi wemumwe murume wevanhu vekwake. 5 Havafaniri kuita kuti misoro yavo ive nemiparavara,+ kana kugera kunogumira ndebvu dzavo kana kuzvicheka-cheka miviri yavo.+ 6 Vanofanira kuva vatsvene kuna Mwari wavo,+ uye havafaniri kusvibisa zita raMwari wavo,+ nekuti vanopa Jehovha mipiro inopiswa nemoto, chingwa chaMwari* wavo, saka vanofanira kuva vatsvene.+ 7 Havafaniri kuroora pfambi,+ mukadzi akasvibiswa, kana mukadzi akarambwa nemurume,+ nekuti mupristi mutsvene kuna Mwari wake. 8 Unofanira kumutsvenesa,+ nekuti ndiye anopa chingwa chaMwari wako. Anofanira kuva mutsvene kwauri, nekuti ini, Jehovha, ari kukutsvenesai, ndiri mutsvene.+
9 “‘Kana mwanasikana wemupristi akazvisvibisa nekuita zvechipfambi, iye ari kusvibisa baba vake. Anofanira kupiswa nemoto.+
10 “‘Munhu anenge ari mupristi mukuru pakati pehama dzake uye anenge akadururirwa mafuta ekuzodza nawo mumusoro+ uye akagadzwa* kuti apfeke nguo dzeupristi,+ haafaniri kurega musoro wake wakati nyangarara kana kubvarura nguo dzake.+ 11 Haafaniri kusvika pedyo nemunhu upi zvake akafa;*+ haafaniri kuzvisvibisa kunyange panofa baba vake kana amai vake. 12 Haafaniri kubuda munzvimbo tsvene uye haafaniri kusvibisa nzvimbo tsvene yaMwari wake,+ nekuti chiratidzo chekutsaurira, iwo mafuta ekuzodza nawo aMwari wake,+ chiri paari. Ndini Jehovha.
13 “‘Anofanira kuroora mukadzi achiri mhandara.+ 14 Haafaniri kuroora chirikadzi, mukadzi akarambwa, mukadzi akasvibiswa, kana pfambi; asi anofanira kuroora mhandara kubva pavanhu vekwake. 15 Haafaniri kusvibisa vana vake pakati pevanhu vekwake,+ nekuti ndini Jehovha, ari kumutsvenesa.’”
16 Jehovha akaramba achitaura naMozisi, achiti: 17 “Udza Aroni kuti, ‘Pavana vako muzvizvarwa zvavo zvese hapana murume akaremara anobvumirwa kuswedera pedyo kuti ape chingwa chaMwari wake. 18 Kana paine murume akaremara, haabvumirwi kuswedera pedyo: bofu kana anokamhina kana ane chiso chakaremara* kana ane gumbo rakarebesa kana ruoko rwakarebesa, 19 murume ane tsoka yakatyoka kana ruoko rwakatyoka, 20 ane musana wakakombama kana asingarebi,* kana murume ane ziso rakaremara kana ane mhezi kana zvisasa kana ane mabhora akakuvara.+ 21 Hapana murume akaremara pavana* vemupristi Aroni angaswedera pedyo kuti ape mipiro inopisirwa Jehovha nemoto. Nekuti akaremara, haafaniri kuswedera pedyo kuti ape chingwa chaMwari wake. 22 Anogona hake kudya chingwa chaMwari wake pazvinhu zvitsvenetsvene+ nepazvinhu zvitsvene.+ 23 Asi haafaniri kuswedera pedyo neketeni,+ uye haafaniri kuswedera pedyo neatari,+ nekuti iye akaremara; uye haafaniri kusvibisa nzvimbo yangu tsvene,+ nekuti ndini Jehovha, ari kuvatsvenesa.’”+
24 Saka Mozisi akataura naAroni nevanakomana vake nevaIsraeri vese.