Bhuku Rechipiri raSamueri
5 Nekufamba kwenguva, madzinza ese aIsraeri akauya kwaiva naDhavhidhi kuHebroni,+ akati kwaari: “Inzwai! Tiri pfupa renyu nenyama yenyu.*+ 2 Kare Sauro paaiva mambo wedu, ndimi maitungamirira vaIsraeri pavaienda kunorwa.*+ Uye Jehovha akati kwamuri: ‘Uchafudza vanhu vangu vaIsraeri, uye uchava mutungamiriri wevaIsraeri.’”+ 3 Saka vakuru vese vaIsraeri vakauya kwaiva naMambo Dhavhidhi kuHebroni, uye mambo akaita sungano navo+ pamberi paJehovha muHebroni. Vakabva vazodza Dhavhidhi kuva mambo wevaIsraeri.+
4 Dhavhidhi aiva nemakore 30 paakava mambo, uye akatonga kwemakore 40.+ 5 Akatonga Judha muHebroni kwemakore 7 nemwedzi 6, uye akatonga vaIsraeri vese nevaJudha muJerusarema+ kwemakore 33. 6 Mambo nevarume vake vakaenda kuJerusarema kunorwa nevaJebhusi+ vaigara munyika yacho. VaJebhusi vakashora Dhavhidhi vachiti: “Hausi kuzopinda muno! Kunyange mapofu nevakaremara vachakudzinga.” Mupfungwa dzavo vaiti, ‘Dhavhidhi haasi kuzopinda muno.’+ 7 Kunyange zvakadaro, Dhavhidhi akakunda nhare* yeZiyoni, iyo yava kunzi Guta raDhavhidhi.+ 8 Saka Dhavhidhi akati pazuva iroro: “Vanhu vanorwisa vaJebhusi vanofanira kuenda nemumugero wemvura kuti vanouraya ‘vakaremara nemapofu,’ vanovengwa naDhavhidhi!”* Ndokusaka zvichinzi: “Mapofu nevakaremara havazopindi mumba macho.” 9 Dhavhidhi akatanga kugara munhare yacho, uye yakatumidzwa* kuti Guta raDhavhidhi; uye Dhavhidhi akatanga kuvaka kumativi ese achitangira kuMurwi Wevhu*+ achipinda mukati.+ 10 Saka Dhavhidhi akaramba achiwedzera kuva nesimba,+ uye Jehovha Mwari wemauto aiva naye.+
11 Mambo Hiramu+ weTire akatuma nhume kuna Dhavhidhi, nematanda emisidhari, nevavezi vematanda,+ nevavezi vematombo ekuvakisa, uye vakatanga kuvakira Dhavhidhi imba.*+ 12 Dhavhidhi akaziva kuti Jehovha akanga asimbisa umambo hwake pana Israeri+ uye kuti akanga asimudzira umambo hwake+ achiitira vanhu vake vaIsraeri.+
13 Dhavhidhi akatora vamwe varongo+ nemadzimai muJerusarema pashure pekunge abva kuHebroni, uye Dhavhidhi akabereka vamwe vanakomana nevanasikana.+ 14 Aya ndiwo mazita evana vaakabereka muJerusarema: Shamua, Shobhabhu, Natani,+ Soromoni,+ 15 Ibhari, Erishua, Nefegi, Jafiya, 16 Erishama, Eriyadha, naErifereti.
17 VaFiristiya pavakanzwa kuti Dhavhidhi akanga azodzwa kuva mambo weIsraeri,+ vaFiristiya vese vakakwidza vachienda kunotsvaga Dhavhidhi.+ Dhavhidhi paakazvinzwa, akabva adzika kunhare.+ 18 VaFiristiya vakabva vauya, vakapararira muBani reRefaimu.+ 19 Dhavhidhi akabvunza Jehovha,+ achiti: “Ndiende kunorwa nevaFiristiya here? Muchavaisa muruoko rwangu here?” Jehovha akabva ati kuna Dhavhidhi: “Enda, nekuti chokwadi ndichaisa vaFiristiya muruoko rwako.”+ 20 Saka Dhavhidhi akaenda kuBhaari-perazimu, uye Dhavhidhi akavauraya ikoko. Akabva ati: “Jehovha apaza vavengi vangu+ pamberi pangu, sekupazwa kunoitwa madziro nemvura.” Ndokusaka akatumidza nzvimbo iyoyo kuti Bhaari-perazimu.*+ 21 VaFiristiya vakasiya zvidhori zvavo ipapo, Dhavhidhi nevarume vake vakazvitora.
22 Gare gare vaFiristiya vakauyazve, vakapararira muBani reRefaimu.+ 23 Dhavhidhi akabvunza Jehovha, asi iye akati: “Usaenda wakavananga. Asi pota nekuseri kwavo, uvarwise uri mberi kwemakwenzi emibheka. 24 Uye paunonzwa ruzha pamusoro pemakwenzi emibheka runenge rwevanhu vari kufora, ibva wakurumidza kuona zvekuita, nekuti Jehovha achange aenda mberi kwako kunoparadza uto revaFiristiya.” 25 Saka Dhavhidhi akaita zvaakarayirwa naJehovha, akauraya vaFiristiya+ kubva kuGebha+ kusvika kuGezeri.+