Mapisarema
Kumutungamiriri. Rwiyo rwaDhavhidhi, mushumiri waJehovha.
3 Mashoko emuromo wake anorwadza uye anonyengera;
Haaratidzi njere pakuita zvakanaka.
4 Anoronga mazano ekuita zvakaipa kunyange ari pamubhedha wake.
Ari munzira isina kunaka;
Haarambi zvakaipa.
5 Haiwa Jehovha, rudo rwenyu rusingachinji runosvika kumatenga,+
Kutendeka kwenyu kunosvika kumakore.
Haiwa Jehovha, munochengetedza* vanhu uye mhuka.+
7 Rudo rwenyu rusingachinji runokosha kwazvo, haiwa Mwari.+
Mumumvuri wemapapiro enyu, vanakomana vevanhu vanopotera.+
8 Vanonwa zvinhu zvakawanda* zvemumba menyu kusvikira vaguta,+
Uye munoita kuti vanwe murukova rwezvinhu zvenyu zvinofadza.+
10 Rambai muchiratidza vaya vanokuzivai rudo rwenyu rusingachinji,+
Uye muchiratidza kururama kwenyu vaya vakarurama mumwoyo.+
11 Musaita kuti tsoka yevanozvikudza inditsike
Kana kuti ruoko rwevakaipa rundidzinge.