Revhitiko
12 Jehovha akaenderera mberi achiti kuna Mozisi: 2 “Udza vaIsraeri kuti, ‘Kana mukadzi akabata pamuviri, osununguka mwana mukomana, achava asina kuchena kwemazuva manomwe, sekusachena kwaanenge akaita paanenge ari kumwedzi.+ 3 Pazuva rechi8, mwanakomana wacho achachecheudzwa+ chikanda chake chepamberi. 4 Mukadzi wacho acharamba achizvichenesa paropa kwemamwe mazuva 33 anotevera. Haafaniri kubata chinhu chitsvene chero chipi zvacho, uye haafaniri kupinda munzvimbo tsvene kusvikira mazuva aanenge achizvinatsa apera.
5 “‘Kana akasununguka mwana musikana, achava asina kuchena kwemazuva 14, sekusachena kwaanoita ari kumwedzi. Acharamba achizvichenesa paropa kwemazuva 66 anotevera. 6 Kana mazuva ekunatswa kwake asununguka mwanakomana kana kuti mwanasikana apera, achauya kusuo retende rekusanganira, kumupristi aine gondohwe risati rapfuura gore rimwe chete kuti rive chibayiro chinopiswa,+ nehangaiwa diki kana njiva kuti ive chibayiro chechivi. 7 Mupristi achauya nacho pamberi paJehovha omuyananisira, uye achava akachena pakuyerera kweropa rake. Uyu ndiwo mutemo pamusoro pemukadzi anosununguka mwana mukomana kana musikana. 8 Asi kana asingagoni kuwana gwai, ngaatore njiva mbiri kana kuti hangaiwa diki mbiri,+ imwe kuti ive chibayiro chinopiswa uye imwe yacho kuti ive chibayiro chechivi, uye mupristi achamuyananisira, uye achava akachena.’”