Numeri
17 Jehovha akabva ati kuna Mozisi: 2 “Taura nevaIsraeri, utore kwavari tsvimbo imwe chete paimba imwe neimwe yemadzibaba avo, kumachinda edzimba dzemadzibaba avo,+ dzisvike tsvimbo 12. Nyora zita remumwe nemumwe patsvimbo yake. 3 Unofanira kunyora zita raAroni patsvimbo yaRevhi, nekuti imba imwe neimwe yemadzibaba avo ine tsvimbo imwe chete. 4 Isa tsvimbo dzacho mutende rekusanganira pamberi peChipupuriro,+ pandinogara ndichisangana nemi.+ 5 Uye tsvimbo yemurume wandichasarudza+ ichatungira, uye ndichaita kuti vaIsraeri vanyarare pakugunun’una kwavari kundiitira+ uye kugunun’una kwavari kukuitirawo.”+
6 Saka Mozisi akataura nevaIsraeri, uye machinda avo ese akamupa tsvimbo, tsvimbo imwe chete pajinda rimwe nerimwe reimba yemadzibaba avo, tsvimbo 12, uye tsvimbo yaAroni yaivawo pakati petsvimbo dzavo. 7 Mozisi akabva aisa tsvimbo dzacho pamberi paJehovha mutende reChipupuriro.
8 Zuva rakatevera racho Mozisi paakapinda mutende reChipupuriro, tsvimbo yaAroni yeimba yaRevhi yakanga yatungira uye yaibudisa nhungirwa, ichitumbuka maruva, uye ichibereka maarumondi akaibva. 9 Mozisi akabva abvisa tsvimbo dzese pamberi paJehovha, akaenda nadzo kuvaIsraeri vese. Vakadzitarisa, uye mumwe nemumwe akatora tsvimbo yake.
10 Jehovha akabva ati kuna Mozisi: “Dzorera tsvimbo yaAroni+ pamberi peChipupuriro ichengetwe kuti chive chiratidzo+ kuvanakomana vekupanduka,+ kuti kugunun’una kwavari kundiitira kupere, uye kuti varege kufa.” 11 Mozisi akabva angoita zvaakanga arayirwa naJehovha. Akaita izvozvo chaizvo.
12 VaIsraeri vakabva vati kuna Mozisi: “Iye zvino tava kuzofa, tichaparara, tese tichaparara! 13 Munhu wese angoswedera pedyo netebhenekeri yaJehovha, achafa!+ Tofa mafiro iwayo here?”+