Jobho
22 Erifazi+ muTemani akapindura achiti:
2 “Munhu ane zvaanobatsira here kuna Mwari?
Chero ani zvake ane njere ane zvaangabatsira here kwaari?+
3 Wemasimbaose ane basa* nekururama kwako here,
Uye ane chaanowana here nekuti iwe unoramba wakaperera kwaari?+
4 Achakuranga here,
Otongana newe nekuti unomutya?
6 Nekuti unotorera hama dzako chekufanobata pasina chikonzero,
Uye unopfekenura nguo dzevanhu, uchivasiya vasina kupfeka.*+
9 Asi wakaendesa chirikadzi dzichingova maoko,
Uye wakapwanya maoko enherera.
10 Ndokusaka wakakomberedzwa nezviteyeso,*+
Uye uchingoerekana wavhundutswa nezvinotyisa;
11 Ndokusaka kuine rima zvekuti hausi kukwanisa kuona,
Uye uchifukidzwa nemafashamo emvura.
12 Mwari haasi kudenga kwakakwirira here?
Uye ona kuti nyeredzi dzese dziri kudenga denga zvakadii.
13 Asi iwe wakati: ‘Mwari anozivei?
Angatonga nemurima gobvu here?
14 Makore akamuvharidzira zvekuti haaoni
Paanenge achifamba-famba padenderedzwa redenga.’
15 Uchatevera nzira yekare kare
Yakafambwa nevanhu vakaipa here?
17 Vaiti kuna Mwari wechokwadi: ‘Siyanai nesu!’
Uye ‘Wemasimbaose angatiitei?’
18 Asi ari iye akazadza dzimba dzavo nezvinhu zvakanaka.
(Mafungiro akaipa kudaro ari kure neni.)
19 Vakarurama vachaona izvi vofara,
Uye vasina mhosva vachavanyomba voti:
20 ‘Vavengi vedu vaparadzwa,
Uye moto uchaparadza zvinhu zvavo zvasara.’
23 Kana ukadzokera kune Wemasimbaose, uchadzorerwa pawaiva;+
Kana ukabvisa zvisina kururama mutende rako,
24 Kana ukakanda goridhe rako muguruva
Uye ukakanda goridhe rekuOfiri+ mumakoronga ane* matombo,
25 Wemasimbaose achabva ava goridhe rako,
Uye achava sirivha yako yakanakisisa.
26 Nekuti uchange wava kufadzwa neWemasimbaose,
Uye uchasimudzira chiso chako kuna Mwari.
27 Uchamuteterera, uye achakunzwa;
Uye ucharipa mhiko dzako.
28 Chese chauchasarudza kuita chichabudirira,
Uye chiedza chichavhenekera nzira yako.
30 Achanunura vaya vasina mhosva;
Saka kana maoko ako akachena, zvechokwadi uchanunurwa.”