Mapisarema
Kumutungamiriri. Rwiyo rwaDhavhidhi.
140 Jehovha, ndinunureiwo pavarume vakaipa;
Ndidzivirirei pavarume vanoda zvemhirizhonga,+
2 Vaya vanoronga zvinhu zvakaipa mumwoyo mavo+
Uye vanoswera vachirwisanisa vanhu.
4 Ndidzivirireiwo Jehovha, mumaoko evakaipa;+
Ndichengetedzei pavarume vanoda zvemhirizhonga,
Vaya vanoronga kundipiringisha.
5 Vanozvikudza vanovanza chiteyeso kuti vandibate;
Vanoshandisa tambo kutambanudza mambure padivi penzira.+
Vanondiisira misungo.+ (Sera)
6 Ndinoti kuna Jehovha: “Ndimi Mwari wangu.
Teererai, haiwa Jehovha, kuchemera kwangu kubatsirwa.”+
7 Haiwa Jehovha Changamire Ishe, Muponesi wangu ane simba,
Munovharidzira musoro wangu pazuva rehondo.+
8 Haiwa Jehovha, musapa vanhu vakaipa zvavanoda.
Musarega zvirongwa zvavo zvichibudirira, kuti vasakwidziridzwa.+ (Sera)
10 Mazimbe emoto ngaanaye pavari.+
11 Anotaura mashoko anosvibisa zita remumwe ngaashaye nzvimbo panyika.+
Zvakaipa ngazvitevere varume vanoda zvemhirizhonga uye ngazvivauraye.