Isaya
4 Uye vakadzi vanomwe vachabata murume mumwe chete pazuva iroro,+ vachiti:
“Tichadya zvekudya zvedu zvatinozvitsvagira
Uye tichazvitsvagira tega zvekupfeka;
Iwe chingoita kuti tishevedzwe nezita rako
2 Pazuva iroro zvinhu zvichaitwa kuti zvitungire naJehovha zvichange zvakanaka chaizvo, zvichiyevedza, uye zvibereko zvenyika zvichava chinhu chinodadisa nerunako kuvaIsraeri vakapukunyuka.+ 3 Munhu wese anosara muZiyoni neanosara muJerusarema achanzi mutsvene, ivo vese vari muJerusarema vakanyorwa kuti vararame.+
4 Jehovha paachageza tsvina yevanasikana veZiyoni,+ uye paachageza kudeura ropa kweJerusarema kubva pakati paro achizviita nesimba rekutonga uye simba rekupisa,*+ 5 Jehovha achaitawo kuti panzvimbo yese yeGomo reZiyoni nepanzvimbo yemagungano aro, pave negore neutsi masikati, nerimi remoto usiku;+ nekuti pamusoro pekubwinya kwese pachava nechinodzivirira. 6 Uye pachava nedumba rekuti pave nemumvuri masikati rinovharidzira kupisa,+ uye rekupotera nekudzivirirwa pamadutu nemvura inonaya.+