Isaya
2 Inotuma nhume nemugungwa
Dziri muzvikepe zvenhokwe mumvura, ichiti:
“Endai, imi nhume dzinokurumidza,
Kurudzi rwevanhu varefu uye vane ganda rinotsvedzerera,
Kuvanhu vanotyiwa kwese kwese,+
Kurudzi rune simba uye runokunda,*
Rune nyika yakakukurwa nenzizi.”
3 Imi mese vagari vemunyika nemi vagari vepasi,
Zvamuchaona zvichaita sechiratidzo chakasimudzwa* pamakomo,
Uye muchanzwa ruzha rwakaita sekurira kwehwamanda.
4 Nekuti Jehovha akati kwandiri:
“Ndicharamba ndakanyarara ndotarisa nzvimbo* yangu isingachinji,
Sekupisa kunoita zuva parinenge rakacheka nyika,
Segore redova pakupisa kwenguva yekukohwa.
5 Nekuti kukohwa kusati kwasvika,
Kutumbuka pakunopera uye ruva parinova zambiringa rava kuibva,
Nhungirwa dzichabviswa nemapanga ekuchekerera miti
Uye tumapazi tunotanda tuchadimburwa twobviswa.
6 Zvese zvichasiyirwa shiri dzemumakomo dzinodya nyama
Nemhuka dzepanyika.
Shiri dzinodya nyama dzichapedzera zhizha pazviri,
Uye mhuka dzese dzepanyika dzichapedzera nguva yekukohwa pazviri.