Mapisarema
Rwiyo Rwekukwidza.
130 Haiwa Jehovha, ndinodana kwamuri ndiri munzvimbo dzakadzika.+
2 Haiwa Jehovha, inzwai inzwi rangu.
Nzeve dzenyu ngadziteerere kuteterera kwangu kuti mundibatsire.
6 Ndinomirira Jehovha nemwoyo wese,+
Kupfuura zvinoita varindi vanomirira mangwanani,+
Zvechokwadi, kupfuura varindi vanomirira mangwanani.
7 Israeri ngaarambe akamirira Jehovha,
Nekuti Jehovha ane rudo rusingachinji,+
Uye ane simba guru rekudzikinura.
8 Achadzikinura Israeri pazvikanganiso zvavo zvese.