Ezekieri
2 Akabva ati kwandiri: “Mwanakomana wemunhu,* simuka umire nditaure newe.”+ 2 Paakataura neni, mweya wakapinda mandiri ukaita kuti ndimire netsoka dzangu+ kuti ndinzwe iye aitaura neni.
3 Akabva ati kwandiri: “Mwanakomana wemunhu, ndiri kukutuma kuvaIsraeri,+ kumarudzi anopanduka ayo akandipandukira.+ Ivo nemadzitateguru avo vakabvira kare vachinditadzira uye nanhasi vachiri kunditadzira.+ 4 Ndiri kukutuma kuvanakomana vasingateereri uye vakaoma musoro+ uye unofanira kuti kwavari, ‘Izvi ndizvo zvataurwa naChangamire Ishe Jehovha.’ 5 Kunyange vakateerera kana kuti vakaramba nemhaka yekuti ivo imba inopanduka,+ chokwadi vachaziva kuti pakati pavo paiva nemuprofita.+
6 “Asi iwe mwanakomana wemunhu, usavatya,+ uye usatya mashoko avo, kunyange zvazvo wakakombwa nemakwenzi anobaya uye neminzwa*+ uye uchigara pakati pemarize.* Usatya mashoko avo,+ uye usavhundutswa nezviso zvavo,+ nekuti ivo imba inopanduka. 7 Unofanira kuvaudza mashoko angu, pasinei nekuti vanoteerera kana kuti vanoramba, nekuti ivo vapanduki.+
8 “Asi iwe mwanakomana wemunhu, teerera zvandiri kukuudza. Usapanduka seimba iyi inopanduka. Shama muromo wako udye zvandiri kukupa.”+
9 Pandakatarisa, ndakaona ruoko rwakatambanudzirwa kwandiri,+ uye rwainge rwakabata gwaro.*+ 10 Paakarivhura pamberi pangu, rakanga rakanyorwa mukati nekunze.+ Rainge rakanyorwa nziyo dzekushungurudzika* nemashoko anochemedza uye anoita kuti vanhu varidze mhere.+