Jobho
18 Bhiridhadhi+ muShuhi akapindura achiti:
2 “Muchasvika riini muchingotaura zvakadaro?
Ratidzai kuti munonzwisisa, kuti tizotaura.
4 Kunyange ukazvidambura-dambura* wakashatirwa,
Nyika ichasara isina vanhu nemhaka yako here,
Kana kuti dombo richabva panzvimbo yaro here?
6 Chiedza chiri mutende rake chichasviba,
Uye rambi rake richadzimwa.
8 Nekuti tsoka dzake dzichamupinza mumambure,
Achadzungaira achipinda mumambure.
10 Akateyerwa tambo muvhu,
Uye akateyiwa munzira yake.
16 Midzi yake ichaoma iri pasi pake,
Uye kumusoro kwake mapazi ake achaoma.
18 Achabviswa muchiedza achiendeswa murima,
Odzingwa panyika.
19 Achange asina vana kana vazukuru pakati pevanhu vake,
Uye hapana achasara achigara paanogara.
20 Zuva rake parinosvika, vanhu vari kuMavirira vachavhunduka
Uye vanhu vari kuMabvazuva vachabatwa nekutya.
21 Izvi ndizvo zvinoitika kumatende emunhu anoita zvakaipa
Uye kuimba yemunhu asingazivi Mwari.”