Jobho
23 Jobho akapindura achiti:
3 Dai ndaiziva kunowanikwa Mwari!+
Ndaienda kwaanogara.+
4 Ndaitaura nyaya yangu pamberi pake,
Ndozadza muromo wangu nemashoko ekumupindura;
5 Ndaidzidza mapinduriro aanondiita,
Ndobata zvaanondiudza.
6 Angapikisana neni achishandisa simba rake guru here?
Aiwa, haangambotadza kunzwa nyaya yangu.+
7 Ikoko munhu akarurama anogona kutongerwa nyaya yake,
Uye ndaizobva kuMutongi wangu ndasunungurwa pamhosva zvachose.
8 Asi ndikaenda kumabvazuva, haako;
Uye ndikadzoka, handimuwani.
9 Paanenge achishanda ari kuruboshwe, handigoni kumutarisa;
Anobva aenda kurudyi, asi handimuoni.
10 Asi anoziva nzira yandakatora.+
Pashure pekunge andiedza, ndichabuda ndaita segoridhe rakanatswa.+
11 Tsoka dzangu dzinonyatsotevera munotsika tsoka dzake;
Ndinoramba ndichitevera nzira yake ndisingatsauki.+
12 Handibvi pamurayiro wemiromo yake.
Ndakachengeta mashoko ake+ kupfuura zvandaifanira kuita.
13 Kana achida kuita chimwe chinhu, ndiani angamudzivisa?+
Kana paine chaanenge achida kuita, anochiita.+
14 Nekuti achaita zvese zvaakandirongera,
Uye ane zvakawanda zvaakandirongera zvaachada kuita.
15 Ndokusaka ndichinetseka nemhaka yake;
Pandinofunga nezvake, ndinowedzera kutya.
16 Mwari aita kuti ndishaye ushingi,
Uye Wemasimbaose aita kuti nditye.
17 Asi handisati ndanyararidzwa nerima
Kana kunyararidzwa nerima gobvu rakafukidza chiso changu.