Isaya
21 Mutongo pamusoro perenje regungwa:*+
Pane chiri kuuya chakaita semadutu anopfuura nekumaodzanyemba,
Achibva kurenje, kunyika inotyisa.+
2 Ndaratidzwa zvinhu zvinotyisa:
Munyengeri ari kunyengera,
Uye muparadzi ari kuparadza.
Kwidza, haiwa iwe Eramu! Komba, haiwa iwe Medhiya!+
Ndichagumisa kugomera kwese kwaakakonzera.+
3 Ndokusaka ndiri kurwadziwa zvikuru.*+
Ndiri kurwadziwa
Sezvinoita mukadzi ari kusununguka.
Ndiri kushungurudzika chaizvo zvekutadza kunzwa;
Ndiri kunetseka chaizvo zvekutadza kuona.
4 Mwoyo wangu wapera simba; ndiri kubvunda nekutya.
Rubvunzavaeni rwandaida chaizvo ruri kundidederesa.
5 Isai midziyo patafura uye rongai zvigaro!
Idyai uye inwai!+
Simukai imi machinda, zodzai nhoo!*
6 Nekuti Jehovha akati kwandiri:
“Enda unoisa murindi uye muudze kuti ataure zvaanoona.”
7 Zvino iye akaona ngoro yehondo ichikwevewa nemabhiza maviri,
Ngoro yehondo yemadhongi,
Ngoro yehondo yengamera.
Akanyatsorinda, pfungwa dzese dziri pabasa.
8 Akabva ashevedzera seshumba iri kudzvova, achiti:
“Haiwa Jehovha, ndiri kugara ndakamira panharire* masikati,
Uye ndiri panzvimbo yangu yekurinda usiku hwega hwega.+
9 Onai zviri kuuya:
Kune varume vari mungoro yehondo iri kukwevewa nemabhiza maviri!”+
Akabva ashevedzera, achiti:
“Rawa! Bhabhironi rawa!+
Aputsira pasi mifananidzo yese yakavezwa yavanamwari varo!”+
10 Haiwa imi vanhu vangu vakapurwa,
Imi mbeu dzakabva paburiro* rangu,+
Ndakuudzai zvandanzwa kuna Jehovha wemauto, Mwari waIsraeri.
Kune munhu ari kushevedzera kwandiri ari kuSeiri,+ achiti:
“Murindi, hakusati kwava kuedza here?
Murindi, hakusati kwava kuedza here?”
12 Murindi wacho akati:
“Mangwanani ari kuuya, uyewo usiku huri kuuya.
Kana muchida kubvunza, bvunzai.
Uyai zvakare!”
13 Mutongo pamusoro perenje:
Mucharara musango murenje,
Haiwa imi mapoka ari parwendo eDhedhani.+
14 Uyai nemvura kuti muchingure ane nyota,
Imi vagari vemunyika yeTema,+
Uye unzirai chingwa munhu ari kutiza.
15 Nekuti vatiza mapakatwa, vatiza bakatwa rakavhomorwa,
Vatiza uta hwakakungwa uye utsinye hwemuhondo yacho.
16 Nekuti Jehovha akati kwandiri: “Mugore rimwe chete, semakore emunhu wemaricho,* kukudzwa kwese kunoitwa Kedhari+ kuchapera. 17 Pavarwi veKedhari pachasara varume vashoma vanopfura neuta, nekuti Jehovha Mwari waIsraeri ataura.”