Mapisarema
Kumutungamiriri; mutinhimira weGititi.* Rwiyo rwaDhavhidhi.
8 Haiwa Jehovha Ishe wedu, zita renyu iguru sei munyika yese;
Munoita kuti kukudzwa kwenyu kuve kwakakwirira kupfuura matenga chaiwo!*+
2 Makaita kuti mumiromo mevana nemevacheche+ mubude simba
Nekuda kwemhandu dzenyu,
Kuti vavengi nevanotsiva vanyarare.
3 Pandinoona matenga enyu, iwo mabasa eminwe yenyu,
Mwedzi nenyeredzi zvamakagadzira,+
4 Munhu chiiko zvamunomufunga,
Uye mwanakomana wemunhu zvamunomuchengeta?+
7 Zvese makwai nembudzi nemombe,
8 Shiri dzekudenga nehove dzemugungwa,
Chese chinopfuura nemunzira dzemumakungwa.
9 Haiwa Jehovha Ishe wedu, zita renyu iguru sei munyika yese!