35 Erihu akaenderera mberi nemhinduro yake achiti:
2 “Une chokwadi here kuti wakarurama zvekuti ungati,
‘Ndakarurama kupfuura Mwari’?+
3 Nekuti uri kuti, ‘Zvine basa rei nemi?
Zvandiri zviri nani here kupfuura zvandaizova kudai ndakaita chivi?’+
4 Ndichakupindura
Iwe neshamwari dzako+ dzauinadzo.
5 Tarisa kudenga uone,
Cherechedza makore+ ari mudenga denga pamusoro pako.
6 Kana ukatadza, chii chinomurwadza?+
Kana zvitadzo zvako zvikawedzera, unomuitei?+
7 Kana wakarurama, unomupei;
Chii chaanogamuchira kwauri?+
8 Uipi hwako hunongokanganisa munhu akaita sewe,
Uye kururama kwako kunobatsira mwanakomana wemunhu.
9 Vanhu vanochema kana vachidzvinyirirwa chaizvo;
Vanochemera kubatsirwa kubva pautongi hwevane simba.+
10 Asi hapana anoti, ‘Mwari ari kupi, Muiti wangu Mukuru,+
Iye anoita kuti nziyo dziimbwe usiku?’+
11 Anotidzidzisa+ kupfuura mhuka dzepanyika,+
Uye anoita kuti tive vakachenjera kupfuura shiri dzedenga.
12 Vanhu vanoshevedzera, asi haapinduri,+
Nemhaka yekuzvikudza kwevakaipa.+
13 Chokwadi Mwari haanzwi kuchema kwenhema;+
Wemasimbaose haateereri zvakadaro.
14 Ko kuzoti paunonyunyuta uchiti haumuoni!+
Nyaya yako iri pamberi pake, saka unofanira kumumirira nemwoyo wese.+
15 Nekuti haana kukubvunza zvikanganiso zvako nehasha;
Uye haana kukutongera kuita kwako zvinhu usina kufunga.+
16 Jobho anongoshama muromo wake achitaura zvisina musoro;
Anoramba achitaura zvaasingazivi.”+