25 Bhiridhadhi+ muShuhi akapindura achiti:
2 “Kutonga uye simba rinotyisa ndezvake;
Anoita kuti kudenga kuve nerugare.
3 Mauto ake anoverengeka here?
Ndiani asingabudirwi nechiedza chake?
4 Saka munhuwo zvake anofa angava sei akarurama pamberi paMwari,+
Kana kuti munhu akazvarwa nemukadzi angava sei asina mhosva?+
5 Kunyange mwedzi hauna kujeka
Uye nyeredzi hadzina kuchena pamberi pake,
6 Ko kuzoti munhuwo zvake anofa, honye zvayo,
Uye mwanakomana wemunhu, gonye zvaro!”