Rwiyo rwaSoromoni
6 “Mudiwa wako aenda kupi,
Iwe mukadzi akanakisisa?
Mudiwa wako aenda nekupi?
Rega tikubatsire kumutsvaga.”
2 “Mudiwa wangu aenda kubindu rake,
Kumihomba yezvinonhuhwirira,
Kuti anofudzira zvipfuwo mumapindu,
Achitemha maruva.+
Ari kufudza makwai ari pakati pemaruva.”+
4 “Wakanaka seTiza,*+ mudiwa wangu,+
Wakanaka seJerusarema,+
Unoyevedza semauto akatenderedza mireza yawo.+
Bvudzi rako rakaita seboka rembudzi
Dzakaita mudungwe mumateru eGiriyedhi.+
6 Mazino ako akaita seboka remakwai
Abva kunogezwa,
Ese aine vana vaviri vaviri,
Uye pasina kana rakarasikirwa nevana varo.
9 Asi mumwe chete ndiye njiva yangu,+ wangu asina panoshoreka.
Ndiye ega waamai vake.
Ndiye wepamwoyo waivo* vakamubereka.
Vanasikana vanomuona, vomuti anofara;
Vanamambokadzi nevarongo, vomurumbidza.
10 ‘Ndiani uyu anopenya* semambakwedza,
Akanaka sejenaguru,
Akachena sekupenya kwezuva,
Anoyevedza semauto akapoteredza mireza?’”+
11 “Ndakadzika kumunda wemiti yeminzungu,+
Kunoona nhungirwa dzepamiti yemubani,
Kunoona kana mizambiringa yakanga yatungira,
Kana mipomegraneti yakanga yatumbuka.
13 “Dzoka, dzoka, iwe muShurami!
Dzoka, dzoka,
Kuti tikutarise!”
“Muri kuyeveiko pamuShurami?”+
“Akaita sezvikwata zviviri zvevanhu vari kutamba!”*