Rwiyo rwaSoromoni
8 “Kudai wakanga wakaita sehanzvadzi yangu,
Yakayamwa mazamu aamai vangu!
Kudai ndaizokuwana panze, ndaikutsvoda,+
Uye hapana aindishora.
Ndokupa waini yakaiswa zvinonhuhwirira kuti unwe,
Iwo muto uchangobva kusvinwa wemapomegraneti.*
3 Ruoko rwake rweruboshwe runenge ruri pasi pemusoro wangu,
Uye ruoko rwake rwerudyi rwakandimbundira.+
4 Ndinoita kuti mupike, imi vanasikana veJerusarema:
Musaedza kumutsa rudo mukati mangu kusvikira rwava kuda.”+
5 “Ndiani uyo ari kubva kurenje,
Akazembera mudiwa wake?”
“Ndakakumutsa pasi pemuapuro.
Amai vako vairwadziwa nekukusununguka vari ipapo.
Vaya vakakubereka vairwadziwa vachisununguka vari ipapo.
6 Ndiise pamwoyo wako sechidhindo,*
Sechidhindo paruoko rwako,
Nekuti rudo rune simba serufu,+
Uye kuzvipira kwakazara hakudzokeri shure seGuva risingadzokeri* shure.
Marimi arwo moto unobvira, iro rimi remoto raJah.*+
Kana munhu akapa pfuma yake yese kuti awane rudo,
Zvingatoshorwa* chaizvo.”
Tichaitireiko hanzvadzi yedu
Musi waichabvunzirwa?”
9 “Kana iri rusvingo,
Tichavaka shongwe yesirivha pamusoro payo,
Asi kana iri suo,
Tichaivhara nepuranga remusidhari.”
10 “Ndiri rusvingo,
Uye mazamu angu akaita seshongwe.
Saka ava kundiona
Seuya anowana rugare.
11 Soromoni aiva nemunda wemizambiringa+ muBhaari-hamoni.
Akaisa munda wacho wemizambiringa mumaoko evachengeti.
Mumwe nemumwe aiunza masirivha chiuru ezvibereko zvawo.
12 Ndine munda wangu pachangu wemizambiringa.
Masirivha chiuru ndeako,* iwe Soromoni,
Uye mazana maviri ndeevanochengeta michero yawo.”
Regai ndirinzwe.”+