Jobho
40 Jehovha akaenderera mberi achipindura Jobho achiti:
2 “Munhu anotsvagira vamwe mhosva angapikisana neWemasimbaose here?+
Uya anoda kutsiura Mwari ngaapindure.”+
3 Jobho akapindura Jehovha achiti:
Ndingakupindurai kutii?
Ndabata muromo wangu.+
5 Ndataura kamwe chete, asi handichapindurizve;
Kaviri, asi handichataurizve.”
6 Jehovha akabva apindura Jobho ari mudutu achiti:+
8 Ungati ini handitongi zvakarurama here?*
Unganditi ndine mhosva kuti iwe unzi wakarurama here?+
10 Zvishongedze kukudzwa neukuru tione;
Zvipfekedze kukudzwa nekubwinya.
11 Budisa hasha dzako dzese;
Tarisa munhu wese anozvikudza, umuderedze.
12 Tarisa munhu wese anozvikudza, umuninipise,
Utsike-tsike vakaipa ipapo pavanenge vamire.
13 Vavanze vese muguruva;
Vasunge* munzvimbo yakavanda,
14 Uye kana ukadaro, kunyange neni ndingabva ndabvuma*
Kuti ruoko rwako rwerudyi runogona kukuponesa.
15 Tarisa Bhehemoti,* yandakasika sekusika kwandakakuita.
Inodya uswa semombe.
16 Tarisa simba riri muhudyu mayo
Uye simba riri panyama dzepadumbu rayo!
18 Mapfupa ayo akaita sepombi dzemhangura;
Makumbo ayo akaita sesimbi.
19 Ndiyo iri pekutanga pamabasa aMwari;
Muiti wayo chete ndiye anokwanisa kuswedera pairi nebakatwa rake.
20 Nekuti makomo anoibudisira zvekudya,
Ndiwo anotambira mhuka dzese dzesango.
21 Inorara pasi pemakwenzi eminzwa,
Mumimvuri yetsanga dziri mumachakwi.
23 Kana rwizi ruchiyerera nesimba, haivhunduki.
Haityi, kunyange Jodhani+ ruchiyerera nesimba rwakananga mukanwa mayo.