Jobho
32 Saka varume vatatu ava vakarega kuedza kupindura Jobho, nekuti akanga achizviti akarurama.*+ 2 Asi Erihu mwanakomana waBharakeri muBhuzi+ wemhuri yaRamu akagumbuka kwazvo. Akashatirirwa Jobho nekuti aiedza kuzviita akarurama pane kuti Mwari ndiye akarurama.+ 3 Akatsamwirawo shamwari dzaJobho nhatu nekuti dzakanga dzisina kuwana mhinduro asi dzakanga dzati Mwari akaipa.+ 4 Erihu akanga akamirira kupindura Jobho, nekuti vakanga vari vakuru kwaari.+ 5 Erihu paakaona kuti varume vacho vatatu vakanga vasisina zvekumupindura, hasha dzake dzakawedzera. 6 Saka Erihu mwanakomana waBharakeri muBhuzi akatanga kutaura achiti:
“Ndiri mudiki
Asi imi varume mava vakuru.+
Saka ndakamira kutaura ndichikuremekedzai,+
Uye ndakazeza kukuudzai zvandinoziva.
9 Zera rega harisi iro rinoita* kuti munhu achenjere,
Uye vakwegura havasi ivo vega vanonzwisisa zvakarurama.+
10 Saka ndiri kuti, ‘Nditeererei,
Ndikuudzeiwo zvandinoziva.’
11 Onai! Ndanga ndakamirira mashoko enyu;
Ndanga ndichingoteerera muchitaura pfungwa dzenyu,+
Muchitsvaga zvekutaura.+
12 Ndanga ndakanyatsokuteererai,
Asi hapana kana mumwe wenyu aratidza Jobho kuti akarasika*
Kana kumupindura zvaari kutaura.
13 Saka musati, ‘Tawana uchenjeri;
Mwari ndiye anomutsiura, kwete munhu.’
14 Haana kutaura mashoko ake kwandiri,
Saka handisi kuzomupindura nemashoko enyu.
15 Vavhundutswa, havasisina zvimwe zvekupindura;
Havasisina zvimwe zvekutaura.
16 Ndanga ndakamirira, asi havachatauri;
Vangomira apo, vasisina chekupindura.
17 Saka iniwo ndichapindura;
Ndichataurawo zvandinoziva,
18 Nekuti ndazara nemashoko;
Mweya* uri mandiri uri kundimanikidza.
20 Regai nditaure kuti ndirerukirwe!
Ndichashama miromo yangu ndokupai mhinduro.