Numeri
3 Izvi ndizvo zvizvarwa zvaAroni naMozisi panguva yakataura Jehovha naMozisi muGomo reSinai.+ 2 Aya ndiwo mazita evanakomana vaAroni: dangwe racho ndiNadhabhi, uye Abhihu,+ Eriyezari,+ naItamari.+ 3 Aya ndiwo mazita evanakomana vaAroni, vapristi vakazodzwa vakanga vakagadzwa* kuti vashumire sevapristi.+ 4 Asi Nadhabhi naAbhihu vakafira pamberi paJehovha pavakauya nemoto usingabvumirwi pamberi paJehovha+ murenje reSinai, uye vakanga vasina vanakomana. Asi Eriyezari+ naItamari+ vakaramba vachishumira sevapristi pamwe chete nababa vavo Aroni.
5 Jehovha akabva ati kuna Mozisi: 6 “Uya nedzinza raRevhi,+ uvamise pamberi pemupristi Aroni, uye ndivo vachamushumira.+ 7 Vanofanira kuita mabasa avo avanomuitira uye avanoitira ungano yese pamberi petende rekusanganira vachishumira patebhenekeri. 8 Vanofanira kuchengeta midziyo yese+ yetende rekusanganira, uye kuita mabasa avo avanofanira kuitira vaIsraeri vachiita mabasa ese ane chekuita netebhenekeri.+ 9 Unofanira kupa vaRevhi kuna Aroni nevanakomana vake. Ndivo vaakapiwa sezvipo vachibva pavaIsraeri.+ 10 Unofanira kugadza Aroni nevanakomana vake, uye vanofanira kuita mabasa avo eupristi,+ uye munhu wese asingabvumirwi* anoswedera pedyo anofanira kuurayiwa.”+
11 Jehovha akaenderera mberi achitaura naMozisi, achiti: 12 “Ona! Ini ndiri kutora vaRevhi pakati pevaIsraeri panzvimbo pematangwe* ese evaIsraeri,+ uye vaRevhi vachava vangu. 13 Nekuti matangwe ese ndeangu.+ Zuva randakarova matangwe ese munyika yeIjipiti,+ ndakazvitsaurira matangwe ese pavaIsraeri kubvira kuvanhu kusvikira kumhuka.+ Iwo anofanira kuva angu. Ndini Jehovha.”
14 Jehovha akataurazve naMozisi murenje reSinai,+ achiti: 15 “Nyora vanakomana vaRevhi maererano nedzimba dzemadzibaba avo, uye maererano nemhuri dzavo. Unofanira kunyora vanhurume vese vanobvira pamwedzi mumwe chete zvichikwira.”+ 16 Saka Mozisi akavanyora sezvakarayirwa naJehovha, sezvaakanga arayirwa chaizvo. 17 Aya ndiwo mazita evanakomana vaRevhi: Geshoni, Kohati, naMerari.+
18 Aya ndiwo mazita evanakomana vaGeshoni maererano nemhuri dzavo: Ribhini naShimei.+
19 Vanakomana vaKohati maererano nemhuri dzavo ndiAmramu, Izihari, Hebroni, naUzieri.+
20 Vanakomana vaMerari maererano nemhuri dzavo vaiva Mari+ naMushi.+
Idzi ndidzo dzaiva mhuri dzevaRevhi maererano nedzimba dzemadzibaba avo.
21 KwaGeshoni ndiko kwakabva mhuri yevaRibhini+ nemhuri yevaShimei. Idzi ndidzo dzaiva mhuri dzevaGeshoni. 22 Vanhurume vese vakaverengwa vaibvira pamwedzi mumwe chete zvichikwira vaiva 7 500.+ 23 Mhuri dzevaGeshoni dzainge dzakadzika musasa shure kwetebhenekeri+ kwakatarisa kumavirira. 24 Jinda reimba yemadzibaba evaGeshoni raiva Eriyasafi mwanakomana waRaeri. 25 Basa revanakomana vaGeshoni+ patende rekusanganira raiva rekuona nezvetebhenekeri netende+ racho, zvekuifukidzisa,+ keteni+ rekuvharisa musuo wetende rekusanganira, 26 maketeni anorembera+ echivanze, keteni+ repasuo rechivanze chakapoteredza tebhenekeri neatari, tambo dzayo dzetende, nemamwe mabasa ese aiva nechekuita nezvinhu izvi.
27 KwaKohati ndiko kwakabva mhuri yevaAmramu, mhuri yevaIzihari, mhuri yevaHebroni, nemhuri yevaUzieri. Idzi ndidzo dzaiva mhuri dzevaKohati.+ 28 Vanhurume vese vakaverengwa vaibvira pamwedzi mumwe chete zvichikwira vaiva 8 600; ndivo vaiona nezvenzvimbo tsvene.+ 29 Mhuri dzevanakomana vaKohati dzainge dzakadzika musasa kurutivi rwekumaodzanyemba kwetebhenekeri.+ 30 Jinda reimba yemadzibaba emhuri dzevaKohati raiva Erizafani mwanakomana waUzieri.+ 31 Vaiva nebasa rekuona nezveAreka,+ tafura,+ chigadziko chemarambi,+ atari,+ midziyo+ yaishandiswa pakushumira munzvimbo tsvene, neketeni+ racho, uye mamwe mabasa ese aiva nechekuita nezvinhu izvi.+
32 Mukuru wemachinda evaRevhi aiva Eriyezari+ mwanakomana wemupristi Aroni, uye ndiye aiva mutariri wevaya vaiita mabasa epanzvimbo tsvene.
33 KwaMerari ndiko kwakabva mhuri yevaMari nemhuri yevaMushi. Idzi ndidzo dzaiva mhuri dzaMerari.+ 34 Vanhurume vese vakaverengwa vaibvira pamwedzi mumwe chete zvichikwira vaiva 6 200.+ 35 Jinda reimba yemadzibaba emhuri dzaMerari raiva Zurieri mwanakomana waAbhihairi. Vakanga vakadzika musasa kurutivi rwekuchamhembe kwetebhenekeri.+ 36 Vanakomana vaMerari ndivo vaiona nezvemafuremu+ etebhenekeri, mbariro+ dzayo, mbiru+ dzayo, zvigadziko zvayo zvine maburi, midziyo yayo yese,+ nemamwe mabasa ese aiva nechekuita nezvinhu izvi,+ 37 nembiru dzainge dzakapoteredza chivanze nezvigadziko+ zvadzo, nehoko dzetende, netambo dzetende.
38 Vaya vakanga vakadzika musasa pamberi petebhenekeri nechekumabvazuva, pamberi petende rekusanganira nechekumabvazuva, ndiMozisi naAroni nevanakomana vake. Ndivo vaiona nezvenzvimbo tsvene, vachimiririra vaIsraeri. Munhu wese asingabvumirwi* aiswedera pedyo aifanira kuurayiwa.+
39 Vanhurume vese vedzinza raRevhi vaibvira pamwedzi mumwe chete zvichikwira, vaya vakaverengwa naMozisi naAroni maererano nemhuri dzavo sezvakarayirwa naJehovha, vaiva 22 000.
40 Jehovha akabva ati kuna Mozisi: “Verenga matangwe ese evanhurume evaIsraeri kubvira pamwedzi mumwe chete zvichikwira;+ vaverenge, wovanyora mazita avo. 41 Panzvimbo pekutora matangwe ese evaIsraeri,+ unofanira kunditorera vaRevhi, ndini Jehovha. Uye unofanira kunditorera zvipfuwo zvevaRevhi panzvimbo pezvipfuwo zvese zvinotanga kuberekwa zvevaIsraeri.”+ 42 Mozisi akabva averenga matangwe ese aiva pakati pevanakomana vaIsraeri, sezvaakanga arayirwa naJehovha. 43 Matangwe evanhurume vese vaiva nemwedzi mumwe chete zvichikwira aisvika 22 273, uye akaverengwa maererano nemazita.
44 Jehovha akaenderera mberi achitaura naMozisi, achiti: 45 “Tora vaRevhi panzvimbo pematangwe ese ari pakati pevaIsraeri, uye tora zvipfuwo zvevaRevhi panzvimbo pezvipfuwo zvavo, uye vaRevhi vanofanira kuva vangu. Ndini Jehovha. 46 Sezvo matangwe evaIsraeri akawandisa kupfuura vaRevhi+ nevanhu 273, kuti pave nemutengo wekuvadzikinura,+ 47 unofanira kutora mashekeri* mashanu kuti adzikinure munhu mumwe nemumwe,+ maererano neshekeri renzvimbo tsvene.* Shekeri rimwe chete rakaenzana nemagera* 20.+ 48 Unofanira kupa Aroni nevanakomana vake mari yacho kuti ive mutengo wekudzikinura vaya vakawandisa kuvapfuura.” 49 Saka Mozisi akatora mari yemutengo wekudzikinura kubva kune vaya vakanga vakawandisa kupfuura vaRevhi vaidzikinura. 50 Akatora mari yacho kumatangwe evaIsraeri, mashekeri 1 365, anoenderana neshekeri renzvimbo tsvene. 51 Mozisi akabva apa Aroni nevanakomana vake mari yemutengo wekudzikinura maererano neshoko raJehovha,* sezvakanga zvarayirwa Mozisi naJehovha.