Rwiyo rwaSoromoni
2 “Seruva riri pakati peminzwa
Ndizvo zvakaita mudiwa wangu pakati pevanasikana.”
3 “Semuti wemuapuro uri pakati pemiti yemusango,
Ndizvo zvakaita mudiwa wangu pakati pevanakomana.
Ndinoda chaizvo kugara mumumvuri wake,
Uye muchero wake unotapira mukanwa mangu.
Musaedza kumutsa rudo mukati mangu kusvikira rwava kuda.+
8 Ndiri kunzwa mudiwa wangu!
Uyo! Ari kuuya,
Achikwira makomo, achisvetuka zvikomo.
9 Mudiwa wangu akaita semhara, akaita senondo diki.+
Uyo ari apo, akamira kuseri kwemadziro edu,
Achitarisa nepamahwindo,
Achidongorera nepamahwindo emaburi maburi.
10 Mudiwa wangu anotaura, anoti kwandiri:
‘Simuka, iwe mudiwa wangu,
Tsvarakadenga yangu, ngatiende tese.
11 Ona! Mwaka wechando* wapfuura.
Hakusisina mvura, yaenda.
12 Maruva ava kuoneka panyika,+
Nguva yekuchekerera miti yasvika,+
Uye rwiyo rwenjiva rwava kunzwika munyika yedu.+
Simuka, mudiwa wangu, uuye.
Tsvarakadenga yangu, ngatiende tese.
14 Iwe njiva yangu yakazororera pakati pematombo,+
Iri munzvimbo yekuhwanda mumawere,
Rega ndikuone, ndinzwe inzwi rako,+
Nekuti inzwi rako rinofadza uye chimiro chako chakanaka.’”+
15 “Tibatire makava,
Makava madiki anoparadza minda yemizambiringa,
Nekuti minda yedu yemizambiringa yava nemaruva.”