Bhaibheri—Shanduro yeNyika Itsva Zviri Mubhuku ra1 VaKorinde 1 VAKORINDE ZVIRI MUBHUKU RACHO 1 Kwaziso (1-3) Pauro anotenda Mwari nekuda kwevaKorinde (4-9) Kukurudzirwa kubatana (10-17) Kristu, simba uye uchenjeri hwaMwari (18-25) Kuzvirumbidza muna Jehovha chete (26-31) 2 Kuparidza kwaPauro muKorinde (1-5) Kukwirira kwakaita uchenjeri hwaMwari (6-10) Kusiyana kwakaita munhu wemweya nemunhu wenyama (11-16) 3 VaKorinde vachiri venyama (1-4) Mwari anoita kuti zvikure (5-9) Tinoshanda pamwe naMwari (9) Vaka nezvinhu zvisingatsvi (10-15) Muri temberi yaMwari (16, 17) Uchenjeri hwenyika upenzi kuna Mwari (18-23) 4 Vatariri vanofanira kuva vakatendeka (1-5) Kuzvininipisa kwevashumiri vechiKristu (6-13) “Musapfuura zvakanyorwa” (6) VaKristu vari kuonekwa nevanhu vese sevari mudariro (9) Pauro anotora vaanonamata navo sevana vake (14-21) 5 Nyaya yeupombwe (1-5) Mbiriso shomanana inovirisa mukanyiwa wese (6-8) Munhu akaipa anofanira kubviswa (9-13) 6 Hama dzechiKristu dziri kuendesana kumatare (1-8) Vaya vasingazogari nhaka yeUmambo (9-11) Kudza Mwari nemuviri wako (12-20) “Tizai upombwe!” (18) 7 Mazano kuvanhu vasina kuroora kana kuroorwa uye vakaroorana (1-16) Ramba uri sezvawakanga uri pawakadanwa (17-24) Vasina kuroora kana kuroorwa uye chirikadzi (25-40) Zvakanakira kugara munhu asina kuroora kana kuroorwa (32-35) Kuroorana “munaShe chete” (39) 8 Nyaya yezvekudya zvakabayirwa kuzvidhori (1-13) Kwatiri kunongova naMwari mumwe chete (5, 6) 9 Muenzaniso waPauro semuapostora (1-27) “Usasunga muromo wenzombe” (9) ‘Ndine nhamo kana ndikasaparidza!’ (16) Kuva zvinhu zvese kuvanhu vese (19-23) Kuzvidzora pakumhanya munhangemutange yeupenyu (24-27) 10 Kuyambirwa kwatinoitwa nenhoroondo yevaIsraeri (1-13) Kuyambirwa nezvekunamata zvidhori (14-22) Tafura yaJehovha, tafura yemadhimoni (21) Rusununguko uye kufungawo vamwe (23-33) “Itai zvinhu zvese kuti Mwari akudzwe” (31) 11 “Nditevedzerei” (1) Kuva musoro uye kufukidza musoro (2-16) Kuchengeta Kudya kwaShe kweManheru (17-34) 12 Zvipo zvemweya (1-11) Muviri mumwe chete, nhengo dzakawanda (12-31) 13 Rudo—nzira inopfuura dzese (1-13) 14 Zvipo zvekuprofita uye kutaura nendimi (1-25) Misangano yechiKristu yakarongeka (26-40) Nzvimbo yevakadzi muungano (34, 35) 15 Rumuko rwaKristu (1-11) Rumuko musimboti wekutenda (12-19) Rumuko rwaKristu vimbiso yekuti vakafa vachamutswa (20-34) Muviri wenyama, muviri wemweya (35-49) Kusafa uye kusaora (50-57) Zvizhinji zvekuita mubasa raShe (58) 16 Kuunganidza mari yekubatsira vaKristu vekuJerusarema (1-4) Nzendo dzaizoitwa naPauro (5-9) Kushanya kwaTimoti naAporo (10-12) Kukurudzirwa uye kwaziso (13-24)